Isaiah 47:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀakaipa ɀicakuwira, ɀausiŋgaziʋi kuʋamba kwaɀo; ucawirwa nenjodzi, yausiŋgagoni kubvisa; kuparadzwa kucakuwira pakarepo, kwausiŋgaziʋi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Dambudziko richakuwira, uye haugoni kuzoziva kuti ungaritanda sei. Njodzi ichakuwira yausingagoni kubvisa nomuripo; pakarepo kuparadza kwausingagoni kuziva, kuchawira pamusoro pako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi nhamo ichakuvinga yausingagoni kupedza nokupfupira, uchawirwa nenyatwa yausingakwanise kupodza nokupira, uchayerekana wawirwa nedzinoparadza dzausina chaunoziva nezvadzo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.
Shona 2009?
Nezvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvakaipa zvichakuwira, zvausingazivi kuvamba kwazvo; uchawirwa nenjodzi, yausingagoni kubvisa; kuparadzwa kuchakuwira pakarepo, kwausingazivi.