Isaiah 47:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ʋuya noʋuroyi bgako noʋuŋaŋga bgako ʋuzhinji, bgawakaɓata nabgo kubva paʋuɗuku bgako, ɀimŋe uŋgaɓatsirwa, ɀimŋe uŋgakunda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino, enderera hako mberi nouroyi hwako, uye noun'anga hwako huzhinji, hwawakashandira kubva paudiki hwako. zvichida uchabudirira, zvichida uchavhundutsira vamwe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Batisisa zvemakona ako izvozvo nezvouroyi hwako hwakanyanya ihwohwo zvawadai kushanda nazvo kubvira pauduku hwako dzimwe nguva ungagone kubudiriraka, zvimwe ungambotyisidzirawo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino uya nouroyi hwako noun'anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungakunda.
Shona 2009?
Zvino uya nouroyi hwako noun'anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungava nepundutso.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino uya nouroyi hwako noun'anga hwako huzhinji, hwawakabata nahwo kubva pauduku hwako, zvimwe ungabatsirwa, zvimwe ungakunda.