Isaiah 47:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀino cinzwa cinhu ici, iwe unoŋgoraŋgarira ɀinofadza, ugere ɀakasimba, unoti mumŋoyo mako: Ndini ndoga, hakunomumŋe kunze kwaŋgu; handiŋgagari ndiri cirikadzi, handiŋgaziʋi kufirwa naʋana.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvino, chinzwa, iwe chisikwa chisingagutsikani, ugere zvakachengetedzeka, uchiti, mumwoyo mako, ‘Ndini, hakuna mumwe kunze kwangu. Handizovi chirikadzi, uye handizotambudziki nokurasikirwa navana.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino naizvozvo chinzwa zvinhu izvi, iwe munhu wokusasana, iwe wakanyatsogarikana unozviti mumwoyo “Ndini pano ini, hakuna mumwe akaita seni! Ini, kugara sechirikadzi, hazvitomboitika, kana iko zvako kunzi ndafirwawo navana.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unongorangarira zvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumwoyo mako “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.”
Shona 2009?
Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unozvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumoyo mako "Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana."
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvino chinzwa chinhu ichi, iwe unongorangarira zvinofadza, ugere zvakasimba, unoti mumwoyo mako “Ndini ndoga, hakuna mumwe kunze kwangu; handingagari ndiri chirikadzi, handingazivi kufirwa navana.”