Isaiah 47:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀinhu iɀi ɀiʋiri ɀicakuwira neciŋguʋa ciɗuku, nezuʋa rimŋe cete, kufirwa naʋana, noʋucirikadzi; ɀicakuwira neciyero cizere, pakati poʋuŋaŋga bgako ʋuzhinji, noʋuroyi bgako bgakawanda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zviviri izvozvi zvichakuwira nechinguva chidiki diki, pazuva rimwe chete zvinoti: kufirwa navana nouchirikadzi. Zvichauya pamusoro pako nechiyero chizere, kunyange uine un'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Izvozvi zviri zviviri uchayerekana zvakuwira zuva rimwechetero, iko kushayikirwa navana nouchirikadzi, zvichakuwira nomwero wakanyatsokwana kunyange zvazvo iwe uine uroyi hwakanyanya kudai nesimba guru remakona ako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paun'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
Shona 2009?
Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paun'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvinhu izvi zviviri zvichakuwira nechinguva chiduku, nezuva rimwechete, kufirwa navana, nouchirikadzi; zvichakuwira nechiyero chizere, pakati paun'anga hwako huzhinji, nouroyi hwako hwakawanda.