Isaiah 48:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ibvai paBabironi, tizai ʋaKardea; paridzai nenzwi rokuimba, muziʋise iɀi, muɀireʋe kuȿikira kumigumo yenyika; muti: Jehova wakadzikinura muranda wake Jakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ibvai muBhabhironi, tizai vaBhabhironi! Zivisai izvi nomufaro mukuru, uye muzviparidze. Zvitumirei kumagumo enyika; muti, “Jehovha adzikinura muranda wake Jakobho.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Budidzanai muBhabhironi mutize munyika yeKaridhea Paridzai vanhu zvinhu izvozvi, muchiita mupururu wokupembera kufara muchivazivisa izvozvi zvisvitsei kwakaperera nyika chaiko muchiti, “Tenzi anunura muranda wake Jakobho!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nezwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, “Jehovha akadzikinura muranda wake Jakobho.”
Shona 2009?
Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhea; paridzai nenzwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, "Jehovha akadzikunura muranda wake Jakobho."
Shona SUB 2002 Bible
Ibvai paBhabhironi, tizai vaKaradhia; paridzai nezwi rokuimba, muzivise izvi, muzvireve kusvikira kumigumo yenyika; muti, “Jehovha akadzikinura muranda wake Jakobho.”