Isaiah 48:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaparidza ɀinhu ɀakare kubva pakutaŋga; ɀirokwaɀo, ɀakaɓuɗa mumuromo maŋgu, ndakaɀiziʋisa; ndakaɀiita kamŋe‐kamŋe, ɀikaitika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakazivisa zvinhu zvakare, kare kare, muromo wangu wakazvireva uye ndakaita kuti zvizivikanwe; ipapo nokukurumidza ndakazviita, uye zvikaitika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinhu zvakare, ndakafanozvitaura nomuromo wangu ndikazviparidza, uye ndakazviita pakarepo zvikabva zvaitika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndakaparadza zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa; ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.
Shona 2009?
"Ndakakuita kuti unzve zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa, ndakazviita kamwe-kamwe, zvikaitika.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndakaparadza zvinhu zvakare kubva pakutanga; zvirokwazvo, zvakabuda mumuromo mangu, ndakazvizivisa; ndakazviita kamwe–kamwe, zvikaitika.