Isaiah 48:5 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo ndakakuparidzira iɀoɀo kubva pakutaŋga; ndakakuziʋisa iɀoɀo ɀisati ɀaitika, kuti urege kuzoti: Cifananidzo caŋgu ndico cakaita iɀoɀo, mufananidzo waŋgu wakaʋezwa nomufananidzo waŋgu wakaʋumbga ndiɀo ɀakaraira iɀoɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndakakuudza zvinhu izvi kare kare; zvisati zvaitika ndakazvizivisa kwauri, kuitira kuti urege kuzoti, ‘Zvifananidzo zvangu, ndizvo zvakazviita; mufananidzo wangu wedanda namwari wangu wesimbi ndizvo zvakarayira izvozvo.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
ndakazviparidza kwamuri kubvira kare zvisati zvaitika, ndakazvitaura kwamuri ndichiti mungadaro mukazoti zvifananidzo zvedu zvekunamata ndizvo zvakazviita, kana kuti zvifananidzo zvedu zvokuveza kana zvokuumba ndozvakati zviitwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, ‘Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.’
Shona 2009?
naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, `Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.'
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo ndakakuparidzira izvozvo kubva pakutanga; ndakakuzivisa izvozvo zvisati zvaitika, kuti urege kuzoti, ‘Chifananidzo changu ndicho chakaita izvozvo, mufananidzo wangu wakavezwa nomufananidzo wangu wakaumbwa ndizvo zvakarayira izvozvo.’