Isaiah 49:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndinzwei, imi ɀiwi, tererai, imi marudzi aʋanhu ari kure: Jehova wakandiɗana ndiri muciɀaro, wakareʋa zita raŋgu ndiciri muɗumbu ramai ʋaŋgu;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinzwei, imi zviwi; inzwai izvi, imi ndudzi dziri kure; Jehovha akandidana ndisati ndaberekwa; kubva pakuzvarwa kwangu akataura zita rangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nditeererei munzwe imi nyika dzokumahombekombe, munzwe imi ndudzi dzavanhu dzokurekure Tenzi akandidaidza ndichiri munhumbu akanditumidza zita ndiri munhumbu mamai vangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndinzwei, imi zvivi, teererai, imi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;
Shona 2009?
Ndinzwei, imwi zviwi, teererai, imwi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;
Shona SUB 2002 Bible
Ndinzwei, imi zvivi, teererai, imi marudzi avanhu ari kure, Jehovha akandidana ndiri muchizvaro, akareva zita rangu ndichiri mudumbu ramai vangu;