Isaiah 49:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Imbai, imi ɗeŋga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwaɀo, nokuti Jehova wakanyaradza ʋanhu ʋake, ucanzwira tsitsi ʋanotambudzika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Imbai, imi matenga, pembera iwe nyika; imbai rwiyo imi makomo! Nokuti Jehovha anonyaradza vanhu vake, uye achava netsitsi navanhu vake vanotambudzika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Imbai norufaro imi matenga upembere iwe nyika, tsemurai mumhanzi imi makomo nokuti Tenzi ava kunyaradza vanhu vake nokunzwira tsitsi vanhu vake vari munhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Imbai, imi denga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
Shona 2009?
Imbai, imwi denga rose, newe nyika ufare; imwi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.
Shona SUB 2002 Bible
Imbai, imi denga rose, newe nyika ufare; imi makomo imbai kwazvo, nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, achinzwira tsitsi vanotambudzika.