Isaiah 49:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti, kana ari matoŋgo ako nenɀimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, ɀirokwaɀo ɀino haiŋgariŋgani ʋagere mairi, naʋanokuminya ʋacaʋa kure.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kunyange wakaparadzwa ukaitwa dongo, uye nyika yako yakasiyiwa yava dongo, zvino vanhu vako havachakwani mauri, uye vose vaikumedza vachava kure.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kunyange zvazvo nzvimbo dzemako dzakanga dzarozvwa chaizvo dzasara dzava matongo, ivhu rako rasakadzwa; uye zvino uchanyatsova kamanimani zvokuti vagari vemako vanenge vasisakwane, vaya vakambokuzhanya vachange vava kure kure.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.
Shona 2009?
"Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti, kana ari matongo ako nenzvimbo dzako dzakasiyiwa, nenyika yako yakaparadzwa, zvirokwazvo zvino haingaringani vagere mairi, navanokuminya vachava kure.