Isaiah 49:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋana, ʋawakaŋga watorerwa, ʋacaramba ʋaciti munzeʋe dzako: Pano hapatiriŋgani, tiratidzei nɀimbo patiŋgagara.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
vana vakaberekwa panguva yokufirwa kwako vachatizve munzeve dzako, ‘Nzvimbo iyi yava diki kwatiri: tipeiwo nzvimbo yakatambanuka yatingagara.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vana vakaberekwa nguva yenhamo yako vachakutaura uchinzwa kuti, ‘Nzvimbo iyi yaita diki kwandiri, ndiwanisewo pokugara pakati kurei;’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, ‘Pano hapatiringani, tiratidzei nzvimbo patingagara.’
Shona 2009?
Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, `Pano hapandiringani, ndidzivurirei nzvimbo pandingagara.'
Shona SUB 2002 Bible
Vana, vawakanga watorerwa, vacharamba vachiti munzeve dzako, ‘Pano hapatiringani, tiratidzei nzvimbo patingagara.’