Isaiah 49:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo ucati mumŋoyo mako: Ndianiko wakandiɓerekera aʋa, ɀandakatorerwa ʋana ʋaŋgu, ndiri ndoga, ndadziŋgwa, ndicidzuŋgaira kwose‐kwose? Ndianiko wakarera aʋa? Tarirai, ndakaŋga ndasiyiwa ndoga; ko aʋa ʋakaŋga ʋaripi?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava? ndakanga ndafirwa uye ndisina mwana; ndakanga ndadzingwa uye ndarambwa. Ndianiko akarera ava? Ndakasiyiwa ndiri ndoga, asi ava, vabvepiko?’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
iwe ndopauchati nechomumwoyo, ‘Ko ndiani akandiberekera ivava? Inga ndakanga ndafirwa ini ndisisabereke, ndakanga ndatopwa ini ndachinzi hangu uko njo, ko akazorera ivava ava ndiani? Zvamunoona ndakasiyiwa ndava ndoga, ko ava vabva nepiko?’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kwose-kwose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?’ ”
Shona 2009?
Ipapo uchati mumoyo mako, `Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kose-kose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?' "
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo uchati mumwoyo mako, ‘Ndianiko akandiberekera ava, zvandakatorerwa vana vangu, ndiri ndoga, ndadzingwa, ndichidzungaira kwose–kwose? Ndianiko akarera ava? Tarirai, ndakanga ndasiyiwa ndoga; ko ava vakanga varipi?’ ”