Isaiah 49:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ɀanzi naJehova: Kunyaŋge naʋatapxa ʋounesimba ʋacamutorerwa, neɀakapambga ɀounotyisa ɀicarwirwa; nokuti ndicarwa nounorwa newe, nokuponesa ʋana ʋako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zvanzi naJehovha, “Hongu vatapwa vachatorwa kubva kumhare, uye zvakapambwa kubva kune anotyisa; ndicharwa navanorwa newe, uye vana vako ndichavaponesa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvanzi naTenzi, “Kunyange chawira mumaoko meane simba chichabvutwa, nhapwa dzichinunurwa kumutongi ane utsinye nokuti ndicharwisana nevanokurwisa ndichanunura vana vako.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi zvanzi naJehovha, “Kunyange navatapwa voanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zvoanotyisa zvicharwirwa; nokuti ndicharwa noanorwa newe, nokuponesa vana vako.
Shona 2009?
Asi zvanzi naJehovha, "Kunyange navatapwa veanesimba vachamutorerwa, nezvakapambwa zveanotyisa zvichadzikunurwa; nokuti ndicharwa neanorwa newe, nokuponesa vana vako.
Shona SUB 2002 Bible
Asi zvanzi naJehovha, “Kunyangwe navatapwa voane simba vachamutorerwa, nezvakapambwa zvoanotyisa zvicharwirwa; nokuti ndicharwa noanorwa newe, nokuponesa vana vako.