Isaiah 49:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanokumanikidza ndicaʋadyisa nyama yaʋo imene, ʋacaɓatwa neropa raʋo, seineŋge iri waini inonaka; nyama yose icaziʋa kuti ini Jehova, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Unesimba waJakobo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita kuti vamanikidzi vako vadye nyama yavo; vachadhakwa neropa ravo, sevadhakwa newaini. Ipapo vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, Mudzikinuri wako, Wamasimba Ose waJakobho.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita kuti ivo vanokudzvanyirira vadye nyama yomuviri wavo, vachadhakwa neropa ravo ivo sevadhakwa newaini. Ndopachaziva munhu wese kuti ini Tenzi ndini Muponesi wako, Muponesi wako noMununuri wako iyeni Samasimbaose waJakobho.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanokumanikidza ndichavadyisa nyama yavo imene, vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Anesimba waJakobho.”
Shona 2009?
Uye ndichadyisa vamanikidzi vako nyama yavo yomene,uye vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; uye nyama yose ichaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikunuri wako, Anesimba waJakobho."
Shona SUB 2002 Bible
Vanokumanikidza ndichavadyisa nyama yavo imene, vachabatwa neropa ravo, seinenge iri waini inonaka; vanhu vose vachaziva kuti ini Jehovha, ndini Muponesi wako, noMudzikinuri wako, Ane simba waJakobho.”