Isaiah 49:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ɀirokwaɀo, iye wakati: Cinhu ciɗuku kuti uʋe muranda waŋgu kuti umutse marudzi aJakobo, nokudzosa ɀe ʋakasara ʋaIsraeri; ndicakuita ʋo ciedza caʋahedeni, kuti kuponesa kwaŋgu kuȿikire kumugumo wenyika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
iye anoti: “Chinhu chiduku kwazvo kuti iwe uve muranda wangu, anomutsazve marudzi aJakobho nokudzosa avo vaIsraeri vandakachengeta. Uyezve ndichakuita chiedza chavahedheni, kuti uuyise ruponeso rwangu kumigumo yenyika.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
iye anoti, “Chinhu chiduku nhai chokuti iwe uve muranda wangu, wokumutsa rudzi rwekwaJakobho nokudzosera pakare vacho vakachengetedzeka vokwaIsiraeri. Inga ndichaita kuti uve sechiedza kumarudzi evanhu kuitira kuti ruponeso rwangu rusvike kwakaperera nyika chaiko.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvirokwazvo, iye akati, “Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichakuitawo chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.”
Shona 2009?
zvirokwazvo, iye akati, "Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara vaIsiraeri; ndichapawo uve chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika."
Shona SUB 2002 Bible
zvirokwazvo, iye akati, “Chinhu chiduku kuti uve muranda wangu kuti umutse marudzi aJakobho, nokudzosazve vakasara VaIsiraeri; ndichakuitawo chiedza chavahedheni, kuti kuponesa kwangu kusvikire kumugumo wenyika.”