Isaiah 49:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri waIsraeri, noMutȿene wake, kunounoɀidzwa naʋanhu, kunounoʋeŋgwa norudzi rwose, kumuranda waʋaɓati: Madzimambo acaʋona ndokusimuka; macinda naiwo acanamata, nokuɗa kwaJehova wakatendeka, iye Mutȿene waIsraeri, wakakusanaŋgura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri noMutsvene waIsraeri, kuna iye akanga azvidzwa nokusemwa namarudzi, kumuranda wavabati, “Madzimambo achakuona agosimuka, machinda achaona agokotamira pasi, nokuda kwaJehovha akatendeka, Mutsvene waIsraeri, akakusarudza.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, iye Mununuri weIsiraeri iye Anoera wayo kuna iye anozvidzwa zvokupedzesera anosemwa namarudzi evanhu, iye muranda wevatongi achiti, “Madzimambo achakuona vakasimuka machinda vachakupfugamira pamusana paTenzi akatendaka Anoera waIsiraeri akakusarudza.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kunoanozvidzwa navanhu, kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, “Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura.”
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kumweya unozvidzwa, kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, "Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura."
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri waIsiraeri, noMutsvene wake, kunoanozvidzwa navanhu, kuno anovengwa norudzi rwose, kumuranda wavabati, “Madzimambo achaona ndokusimuka; machinda naiwo achanamata, nokuda kwaJehovha akatendeka, iye Mutsvene waIsiraeri, wakakusanangura.”