Isaiah 49:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ndakakupindura neŋguʋa yakafanira, ndakakuɓatsira nezuʋa rokuponeswa; ndicakuceŋgeta, nokukuita suŋgano yaʋanhu, kuti umutse nyika, nokuʋagarisa nhaka dzakaŋga dzaparadzwa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Nenguva yangu yakafanira, ndichakupindura, uye pazuva roruponeso ndichakubatsira; ndichakuchengeta uye ndichakuita kuti uve sungano yavanhu, kuti umutsiridze nyika uye uvagarise patsva nhaka yakaparara,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Ndichakupindura panguva kwayo pazuva roruponeso ndichakubatsira ndichakuchengeta. Ndichaita kuti uve mumiriri wevanhu vose ndichiita chitenderano changu navo chokuvadzosera nyika uye vagogoverwa nhaka yakanga yadai kuparara
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, "Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Ndakakupindura nenguva yakafanira, ndakakubatsira nezuva rokuponeswa; ndichakuchengeta, nokukuita sungano yavanhu, kuti umutse nyika, nokuvagarisa nhaka dzakanga dzaparadzwa;