Isaiah 5:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro ɀikuru; ʋakakudzwa ʋaʋo, naʋazhinji ʋaʋo, naʋanoɀikudza ʋaʋo, nounofara pakati paʋo, ʋanoɓurukira’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo gehena rakawedzera kukara kwaro, uye rakazarura muromo waro zvinodarika mwero; mariri muchaburukira vanokudzwa vavo nevoruzhinji, navose vanokakavara vavo navanofara vavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo nzvimbo yavachakabvu yava kumedzera mate ichishama muromo wayo zvakanyanyisa kwazvo kuti imedze zvayo vokumba huru vomuJerusaremu pamwechete nevoruzhinji vacho vezhowezhowe remo rokusasana.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, noanofara pakati pavo, vanoburukiramo.
Shona 2009?
Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, nowanofara pakati pavo, vanoburukiramo.
Shona SUB 2002 Bible
Saka Sheori rakawedzera kukara kwaro nokushamisa muromo waro zvikuru; vakakudzwa vavo, navazhinji vavo, navanozvikudza vavo, noanofara pakati pavo, vanoburukiramo.