Isaiah 5:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi Jehova wehondo ucakudzwa pakutoŋga kwakarurama, naMŋari iye Mutȿene ucaʋonekwa ari mutȿene nokururama kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Jehovha Wamasimba Ose achakudzwa, nokuda kwokururamisira kwake, uye Mwari, mutsvene achazviratidza pachake kuti mutsvene, mukururama kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Tenzi wehondo nehondo acharumbidzwa nokutonga kwaanoita iye Mwari Anoera acharatidza kuera kwake nokuda kwoururami.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake.
Shona 2009?
Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi Jehovha wehondo achakudzwa pakutonga kwakarurama, naMwari iye Mutsvene achaonekwa ari mutsvene nokururama kwake.