Isaiah 5:25 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka kutsamŋa kwaJehova kwakamukira ʋanhu ʋake, akatambanudza ruʋoko rwake kwaʋari, akaʋaroʋa; makomo anoɗeɗera, mitumbu yaʋo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyaŋge ɀakaɗaro, kutsamŋa kwake hakuna‐kudzorwa, asi ruʋoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa naɀino.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwopfuta pamusoro pavanhu vake; ruoko rwake rwasimudzwa uye anovarovera pasi. Makomo anozungunuka, uye mitumbi yavakafa yaita samarara mumigwagwa. Kunyange zvakadaro nokuda kwezvose izvi, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, ruoko rwake rwaramba rwakasimudzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka Tenzi akavirukira vanhu vake nehasha, akavasimudzira ruoko rwake rune simba akavarova, makomo akandengendeka zvitunha zvavo zvikaita semarara pakati pemigwagwa. Kunyange zvakadaro zvazvo hasha dzake hadzina kupora, muruoko rwake shamhu ichiri mudenga.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, akatambanudza ruoko rwake kwavari, akavarova; makomo anodedera, mitumbi yavo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Shona 2009?
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, akatambanudza ruoko rwake kwavari, akavarova; makomo anodedera, mitumbi yavo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyange zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.
Shona SUB 2002 Bible
Saka kutsamwa kwaJehovha kwakamukira vanhu vake, akatambanudza ruoko rwake kwavari, akavarova; makomo anodedera, mitumbi yavo yafanana namarara pakati penzira dzomumusha. Kunyangwe zvakadaro, kutsamwa kwake hakuna kudzorwa, asi ruoko rwake rwakaramba rwakatambanudzwa nazvino.