Isaiah 5:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuʋomba kwaʋo kucaita sokwehadzi yeshumba, ʋacaʋomba saʋana ʋeshumba; ɀirokwaɀo ʋacaʋomba, ʋacaɓata mhuka yaʋo, ndokuenda nayo, hapanauŋgairwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuomba kwavo kwakaita sokweshumba, vanoomba kufanana neshumba diki; vanodzvova pavanobata mhuka yavo vagoitakura pasina kana angairwira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kudzvova kwavo, shumba chaidzo vanodzvova sevana veshumba dzinohon'a dzigobata nyama yadzo dzinoiti piku kutakura kuenda pasina anogona kununura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuomba kwavo kuchaita sokwehadzi yeshumba, vachavonga savana veshumba; zvirokwazvo vachaomba, vachabata mhuka yavo, ndokuenda nayo, hapana angairwira.
Shona 2009?
kuomba kwavo kuchaita sokwehadzi yeshumba, vachavomba savana veshumba; zvirokwazvo vachavomba, vachabata mhuka yavo, ndokuenda nayo, hapana angairwira.
Shona SUB 2002 Bible
kuomba kwavo kuchaita sokwehadzi yeshumba, vachavonga savana veshumba; zvirokwazvo vachaomba, vachabata mhuka yavo, ndokuenda nayo, hapana angairwira.