Isaiah 5:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinyiko caifanira kuitirwa munda waŋgu wemizambiriŋga, candisina‐kuuitira? Ɀino ndicitarira kuti ucaɓereka mazambiriŋga, wakagoɓerekerei mazambiriŋga eɓundo?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chiiko chimwezve chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Pandakatsvaka mazambiringa akanaka, wakagoberekerei akaipa oga?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Pane chimwe here chandaifanira kuitira munda wangu wemagirepisi chandisina kuuitira? Pandaiutarisira kuti ubereke magirepisi kwawo wakazoberekerei indye dzamagirepisi kuvava?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemidzambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka madzambiringa, wakagoberekerei madzambiringa ebundo?
Shona 2009?
Chinyiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei mazambiringa ebundo?
Shona SUB 2002 Bible
Chiiko chaifanira kuitirwa munda wangu wemizambiringa chandisina kuuitira? Zvino ndichitarira kuti uchabereka mazambiringa, wakagoberekerei madzambiringa ebundo?