Isaiah 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndicauparadza; hauŋgaraŋgurwi, kana kurimŋa; asi ucamera minzwa norukato; ndicaraira makore, kuti arege kunisa mvura pamsoro pawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichauita nzvimbo yamarara, hauzochekererwi kana kusakurirwa, uye minzwa norukato zvichakuramo. Ndicharayira makore kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichauita kuti usare rangova zita chete kuti munda. Handichaupemhena kana kuutimbira Minzwa norukato ndozvichakura zvazvo imomo Ndichaudzawo makore kuti arege kunayisa mvura pauri.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndichauparadza; haungawanhurwi, kana kurimwa; asi uchamera minzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.
Shona 2009?
ndichauparadza; haungarangurwi, kana kurimwa; asi uchamera mhinzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.
Shona SUB 2002 Bible
ndichauparadza; haungawanhurwi, kana kurimwa; asi uchamera minzwa norukato; ndicharayira makore, kuti arege kunayisa mvura pamusoro pawo.