Isaiah 5:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti munda wemizambiriŋga waJehova wehondo ndiyo imba yaIsraeri, ʋarume ʋaJuda muti wake unomufadza; ɀino wakatȿaka kwaʋari kururamisira, asi tarira, wakawana kumanikidza, wakatȿaka kururama, asi tarira, wakawana kucema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Munda womuzambiringa waJehovha Wamasimba Ose ndiwo imba yaIsraeri, uye varume veJudha ndivo bindu rake rinomufadza. Zvino akatarisira kururamisira asi akaona kuteuka kweropa; akatsvaka kururuma, asi akanzwa kuchema kwokutambudzika.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino ipapa apa munda wacho wamagirepisi waTenzi wehondo nehondo, ndiyo imba yaIsiraeri. Vanhu ivava vomunyika maJudha, ndivo vacho vaakanyatsosima akatarisira ruenzaniso asi wanei potodeurwa ropa zvapo achitarisirawo kururama asi inzwei mhere!
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti munda wemidzambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.
Shona 2009?
Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti munda wemizambiringa waJehovha wehondo ndiyo imba yaIsiraeri, varume vaJudha muti wake unomufadza; zvino akatsvaka kwavari kururamisira, asi tarira, akawana kumanikidza, akatsvaka kururama, asi tarira, akawana kuchema.