Isaiah 50:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Ruripiko rugwaro rwokuramba mai ʋenyu, rwandakaʋaramba narwo? Kana ndakakuteŋgesai kunani ʋandakaŋga ndinecikwerete naʋo here? Tarirai makateŋgeswa nokuɗa kweɀakaipa ɀenyu, mai ʋenyu ʋakarambga nokuɗa kwokuɗarika kwenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Ko, tsamba yokurambwa kwamai venyu iripiko yandakavadzinga nayo? Uye ndevapiko vandakakwereta ndikazokutengesai kwavari? Makatengeswa nokuda kwezvivi zvenyu; mai venyu vakadzingwa nokuda kwokudarika kwenyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi ari kuti, “Ko tsamba yegupuro yandakapa amai venyu iripiko yandakavaramba nayo? Kana kuti ndiani wandine chikwereti naye kwandakakuendesai somuripo wechikwereti? Chinzwai, makaendeswako somuripo pamusana pouipi hwenyu kukanganisa kwenyu imi ndokwakaita kuti amai venyu varambwe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, “Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, rwandakavaramba narwo? Kana ndakakutengesai kuna ani vandakanga ndine chikwerete navo here? Tarirai makatengeswa nokuda kwezvakaipa zvenyu, mai venyu vakarambwa nokuda kwokudarika kwenyu.
Shona 2009?
Ndizvo zvinotaura Jehovha, "Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, vandakaramba? Kana ndiyani wandine chikwereti naye, wandakakutengesai kwaari? Tarirai makazvitengesa nokuda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuda kokudarika kwenyu, mai venyu vakarashwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, “Ruripiko rugwaro rwokuramba mai venyu, rwandakavaramba narwo? Kana ndakakutengesai kuna ani vandakanga ndine chikwereti navo here? Tarirai makatengeswa nokuda kwezvakaipa zvenyu, mai venyu vakarambwa nokuda kwokudarika kwenyu.