Isaiah 50:10 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndianiko uri’po pakati penyu unotya Jehova, unoterera inzwi romuranda wake? Unofamba murima, asineciedza, ŋgaaʋimbe nezita raJehova, asendame kunaMŋari wake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndiani pakati penyu anotya Jehovha, uye anoteerera shoko romuranda wake? Ngaafambe murima, iye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha uye avimbe naMwari wake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndiani pakati penyu anotya Tenzi iye anoteerera izwi romuranda wake, anofamba murima asina mwenje anovimba nezita yaTenzi? Achitsamira pana Mwari wake?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndianiko aripo pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera izwi romuranda wake? Anofamba murima, asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.
Shona 2009?
Ndianiko pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera inzwi romuranda wake? Anofamba murima,vuye asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake. "
Shona SUB 2002 Bible
Ndianiko aripo pakati penyu anotya Jehovha, anoteerera izwi romuranda wake? Anofamba murima, asina chiedza, ngaavimbe nezita raJehovha, asendame kuna Mwari wake.