Isaiah 50:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, imi mose, munoɓatidza mŋoto, munoɀisuŋga ɀiʋuno neɀitsiga; fambai mumuraɀo womŋoto wenyu, napakati peɀitsiga ɀamakaɓatidza. Mucapiwa iɀoɀo noruʋoko rwaŋgu, mucaʋata pasi mucitambudzika.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi zvino, imi mose munotungidza moto muchava nemwenje inopfuta, endai, mufambe muchiedza chomoto wenyu nechemwenje yamakabatidza. Izvi ndizvo zvamuchagamuchira kubva paruoko rwangu: Muchavata pasi mukurwadziwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwai munzwe imi mose munotungidza moto imi munobatidza mazhenje, fambaika zvenyu muchiedza chomoto wenyu iwoyo nemazhenje iwayo amakatungidza. Asi shamhu yandichakupai noruoko rwangu ndeyokugara munhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai mumurazvo womoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.
Shona 2009?
Tarirai, imwi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai muchiedza chomoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, imi mose, munobatidza moto, munozvisunga zviuno nezvitsiga; fambai mumurazvo womoto wenyu, napakati pezvitsiga zvamakabatidza. Muchapiwa izvozvo noruoko rwangu, muchavata pasi muchitambudzika.