Isaiah 50:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakashaiwireiko munhu pakuȿika kwaŋgu? Ndakashaiwireiko wakapindura pakuɗana kwaŋgu? Ko ruʋoko rwaŋgu rwatoŋgofupiswa kuti rukoniwe kudzikinura here? Handinesimba rokurwira here? Tarirai, ndinopxisa guŋgwa kana ndicirituka, nzizi ndinodziita renje; hoʋe dzadzo dzinonhuwa, nokuti hadzinemvura, dzinofa nenyota.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sei ndakashaya munhu, pandakauya? Sei pasina akapindura pandakadana? Ko, ruoko rwangu rwakanga rwakapfupika here kuti ndikudzikinurei? Handina simba rokukununurai here? Nokungorayira chete ndinopwisa gungwa; ndinoshandura nzizi dzikava gwenga; hove dzadzo dzinoora nokushayiwa mvura, uye dzinofa nenyota.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Seiko pandakauya ndisina kusvikowana munhu, zvandakadaidza sei pasina akadaira? Ko ruoko rwangu rwakapfupikiswa zvokuti harugone kununura here? Kana kuti simba rokununura handina here? Chinzwai, nezwi rangu ini rokutsiura, gungwa rinobva raoma, ndichiita kuti nzizi dzive gwenga zvaro, hove dzadzo dzigonhuhwa nokushaya mvura dzichifa nenyota.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakashaireiko munhu pakusvika kwangu? Ndakashaireiko akapindura pakudana kwangu? Ko ruoko rwangu rwatongopfupiswa kuti rukoniwe kudzikinura here? Handine simba rokurwira here? Tarirai, ndinopwisa gungwa kana ndichirituka, nzizi ndinodziita renje; hove dzadzo dzinonhuwa, nokuti hadzine mvura, dzinofa nenyota.
Shona 2009?
Sei pakusvika kwangu kwakanga kusina munhu? Pakudana kwangu kwakanga kusina anopindura? Ko ruoko rwangu rwakatongopfupiswa here?, kuti rukoniwe kudzikunura? Handina simba rokurwira here? Tarirai nokutuka kwangu, ndinopwisa gungwa, Ndinoita nzizi dzive renje; hove dzadzo dzinhuwhe, nokuti hadzina mvura, dzinofa nenyota.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakashaireiko munhu pakusvika kwangu? Ndakashaireiko akapindura pakudana kwangu? Ko ruoko rwangu rwatongopfupiswa kuti rukoniwe kudzikinura here? Handine simba rokurwira here? Tarirai, ndinopwisa gungwa kana ndichirituka, nzizi ndinodziita renje; hove dzadzo dzinonhuwa, nokuti hadzine mvura, dzinofa nenyota.