Isaiah 50:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ishe Jehova wakandipa rurimi rwaʋakadzidziswa, kuti ndiziʋe kusimbisa ʋakaneta namashoko; uno ndi mutsa maŋgwanani ose, unomutsa nzeʋe dzaŋgu kuti ndinzwe saʋanodzidziswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwakadzidziswa, kuziva shoko rinosimbisa vakarukutika. Anondimutsa mangwanani namangwanani, anomutsa nzeve yangu kuti iteerere somunhu anodzidziswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi Mwari akandipa muromo wakadzidziswa kuti ndizive kusimbaradza neshoko vakarukutika. Mangwanani oga oga anondimutsa anondimutsa kuti nzeve yangu iite seyomudzidzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; anondimutsa mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.
Shona 2009?
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidza, kuti ndizive kutaura shoko nenguva yakafanira kune vakaneta; anomuka mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.
Shona SUB 2002 Bible
Ishe Jehovha akandipa rurimi rwavakadzidziswa, kuti ndizive kusimbisa vakaneta namashoko; anondimutsa mangwanani ose, anomutsa nzeve dzangu kuti ndinzwe savanodzidziswa.