Isaiah 50:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakarinzira ʋaroʋi musana waŋgu, namatama aŋgu kunaʋakataʋura ndebvu dzaŋgu; handina‐kuʋanza ciso caŋgu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakapa musana wangu kuna avo vaindirova, namatama angu kuna avo vakadzura ndebvu dzangu; Handina kuvanza chiso changu pakusekwa nokupfirwa mate.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndakarega vanhu vachindirova musana ndikatendeutsira matama angu kune vaindidzura ndebvu. Handina kuvanza chiso changu pamusana penyadzi kana nokupfirwa mate.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakarinzira varovi musana wangu, namatama angu kuna vakataura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
Shona 2009?
Ndakapa musana wangu kuvarovi, namatama angu kuna vakatavura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.
Shona SUB 2002 Bible
Ndakapira varovi musana wangu, namatama angu kuna vakataura ndebvu dzangu; handina kuvanza chiso changu pakunyadziswa nokupfirwa mate.