Isaiah 50:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti Ishe Jehova ucandiɓatsira, naiɀoɀo handina‐kunyadziswa; naiɀoɀo ndakaita ciso caŋgu sebge romusarasara, ndinoziʋa kuti handiŋganyadziswi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti Ishe Jehovha anondibatsira, handizonyadziswi. Naizvozvo ndakaita kuti chiso changu chive sebwe romusarasara, uye ndinoziva kuti handizonyadziswi,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvo Tenzi Mwari anondibatsira naizvozvo handimbopazama musoro, ndokusaka ini ndakaruma shaya uye ndinoziva kuti handizombonyadziswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti Ishe Jehovha achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu sebwe romusarasara, ndinoziva kuti handinganyadziswi.
Shona 2009?
Nokuti Ishe Mwari achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu semusarasara,vuye ndinoziva kuti handinganyadziswi.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti Ishe Jehovha achandibatsira, naizvozvo handina kunyadziswa; naizvozvo ndakaita chiso changu sebwe romusarasara, ndinoziva kuti handinganyadziswi.