Isaiah 51:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko hamuzimi makapxisa guŋgwa, nemvura zhinji yeguŋgwa rakadzika, wakashandura nɀimbo dzakadzika dzeguŋgwa mukapaita nzira paŋgayambuka ʋakadzikinurwa here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Hausiwe wakaomesa gungwa here, iyo mvura yokwakadzika zvikuru, ukaita mugwagwa makadzika megungwa kuitira kuti vakadzikinurwa vayambuke?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hamusirimi here makaomesa gungwa mvura zhinji yehwenje chaiyo muchiita kuti pasi pasi pegungwa pave nenzira, kuitira kuti vakanunurwa vapfuure.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, akashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vakadzikinurwa here?
Shona 2009?
Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura yakadzika, mukaitawo nzvimbo dzakadzika dzegungwa nzira pangayambuka vakadzikunurwa here?
Shona SUB 2002 Bible
Ko hamuzimi makapwisa gungwa, nemvura zhinji yegungwa rakadzika, akashandura nzvimbo dzakadzika dzegungwa mukapaita nzira pangayambuka vakadzikinurwa here?