Isaiah 51:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, unomutsa guŋgwa, kuti mafuŋgu aro atinhire; Jehova wehondo ndiro zita rake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa kuti mafungu aro atinhire, Jehovha Wamasimba Ose ndiro zita rake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti ini Tenzi, ndini Mwari wako anobvundura gungwa kuti masaisai aro atinhire. NdiTenzi wehondo nehondo ndozita rake irori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
Shona 2009?
"Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anoparadzanisa gungwa, rine mafungu anotinhira; Jehovha wehondo ndiro zita rake.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti ndini Jehovha Mwari wako, anomutsa gungwa, kuti mafungu aro atinhire; Jehovha wehondo ndiro zita rake.