Isaiah 51:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndakaisa mashoko aŋgu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruʋoko rwaŋgu, kuti ndiʋambe ɗeŋga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni: Imi muri ʋanhu ʋaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza nomumvuri woruoko rwangu, iye ni ndakagadzika matenga panzvimbo yawo, iyeni ndakateya nheyo dzenyika, uye ndinoti kuZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndaisa mashoko angu mumuromo mako iwe ndikakuhwandisa mumumvuri weruoko rwangu, matenga ndinoadzika nyika ndichiitirawo ugaro hwayo ndiri kuti kuguta reZioni, ‘Muri vanhu vangu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ”
Shona 2009?
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe matenga, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZiyoni, 'Imi muri vanhu vangu.'
Shona SUB 2002 Bible
Ndakaisa mashoko angu mumuromo mako, ndikakufukidza mumumvuri woruoko rwangu, kuti ndivambe denga rose, nokuteya nheyo dzenyika, nditi kuZioni, ‘Imi muri vanhu vangu.’ ”