Isaiah 51:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muka, muka, simuka, iwe Jerusarema, wakanwa mukombe wokutsamŋa kwaJehova paruʋoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwaɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muka, muka! Simuka, iwe Jerusarema, iwe wakanwa kubva muruoko rwaJehovha, mukombe wehasha dzake, iwe wakasveta kusvikira wapera kuti tsvai, iwo mukombe unoita kuti vanhu vadzedzereke.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muka Muka, uti twii kumira iwe guta reJerusaremu iwe wakatumhiswa neshamhu yeruoko rwaTenzi mukombe wehasha dzake iwe wakanwa namasese ese kapfuko kezvakakudhadharitsa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu, wakanwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha paruoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwazvo.
Shona 2009?
Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu,iwe wakamwa paruvoko rwaJehovha mukombe wokutsamwa kwake; wakamwa manzete emukombe wose wokudederesa, ukaapedza kwazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Muka, muka, simuka, iwe Jerusaremu, wakanwa mukombe wokutsamwa kwaJehovha paruoko rwake; wakanwa mukombe wose wokudzedzeresa, ukaupedza kwazvo.