Isaiah 51:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋanakomana ʋako ʋaziya, ʋaʋete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yaɓatwa mumambure; ʋazadzwa nokutsamŋa kwaJehova nokutuka kwaMŋari wako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vanakomana vako vaziya; vanovata panotangira migwagwa, kufanana nemhara yabatwa mumumbure. Vakazadzwa nehasha dzaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vana vako vacharukutika vakati rakata kurara pakona yoga yoga yomugwagwa vachiita sengwarati iri mumambure Mwari ari kuvaonesa ndondo nehasha dzake, kuri kutsiudza kwaMwari wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
Shona 2009?
Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, senzombe yesango yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.
Shona SUB 2002 Bible
Vanakomana vako vaziya, vavete pamigumo yenzira dzomumusha, semhuka yabatwa mumambure; vazadzwa nokutsamwa kwaJehovha nokutuka kwaMwari wako.