Isaiah 51:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe wako Jehova, naMŋari wako, unoreʋerera ʋanhu ʋake: Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruʋoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamŋa kwaŋgu, hauŋgazounwi ɀe;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naIshe Jehovha Mwari wako, anodzivirira vanhu vake, “Tarira, ndabvisa muruoko rwako mukombe wakakuita kuti udzedzereke; kubva pamukombe uyo, iwo mukombe wehasha dzangu, hauchazounwizve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi wako, Tenzi, Mwari wako anopipirira vanhu vake nhuna dzavo, “Chinzwa unzwe ndobvisa mumaoko mako mukombe waikudhadharitsa nekapfuko kehasha dzangu hauchazvinwazve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naShe wako Jehovha, naMwari wako, unoreverera vanhu vake, “Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwizve.
Shona 2009?
Ndizvo zvinotaura IShe wako Jehovha, naMwari wako,unoreverera vanhu vake, Tarirai, ndakabvisa muruoko rwako mukombe wokudzedzeresa, iwo manzete emukombe wokutsamwa kwangu, haungazoamwizve.
Shona SUB 2002 Bible
zvanzi naShe wako Jehovha, naMwari wako, unoreverera vanhu vake, “Tarirai, ndakabvisa mukombe wokudzedzeresa paruoko rwako, iwo mukombe uzere nokutsamwa kwangu, haungazounwizve.