Isaiah 51:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kururama kwaŋgu kuri pedyo, ruponeso rwaŋgu rwaɓuɗa, maʋoko aŋgu acatoŋga ʋanhu; ɀiwi ɀicandimirira, ɀicaʋimba noruʋoko rwaŋgu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kururama kwangu kwoswedera pedyo nokukurumidza, ruponeso rwangu rwuri munzira, uye ruoko rwangu ruchauyisa kururamisira kumarudzi. Zviwi zvichatarira kwandiri uye zvichamirira ruoko rwangu netariro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nguva yangu yokununura yava kutosvika izvozvi, nguva yangu yokuti ndichiponesa yatova kuuya izvozvi, marudzi evanhu achava mumaoko mangu, ndichatonga nyika dzokumakungwa dzakamirireni, vava kungotarisira kwandiri inini noruoko rwangu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.
Shona 2009?
Kururama kwangu kuri pedo, ruponeso rwangu rwabuda, uye maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.
Shona SUB 2002 Bible
Kururama kwangu kuri pedyo, ruponeso rwangu rwabuda, maoko angu achatonga vanhu; zvivi zvichandimirira, zvichavimba noruoko rwangu.