Isaiah 51:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai kuɗeŋga nameso enyu, mucerekedze nyika pasi; nokuti ɗeŋga rose ricanyaŋgarika soʋutsi, nyika icasakara seŋguʋo; ʋagere’mo ʋacafa soʋunyunyu; asi ruponeso rwaŋgu rucaʋa nokusiŋgaperi, kururama kwaŋgu hakuŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simudzirai meso enyu kumatenga, tarirai pasi penyika; matenga achanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo, uye vanogaramo vachafa senhunzi. Asi ruponeso rwangu ruchagara nokusingaperi, kururama kwangu hakuzombogumi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Simudzai musoro mutarise nameso enyu kumatenga, mutarisewo panyika pasi pasi nokuti matenga achanyangarika soutsi, pasi pachasakara sembatya, vanhu vanogaramo vachafawo senhunzi. Asi kununura kwangu kuchagara narini wose uye kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
Shona 2009?
Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nenyika ichasakara senguvo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai kudenga nameso enyu, mucherechedze nyika pasi; nokuti denga rose richanyangarika soutsi, nyika ichasakara senguo; vageremo vachafa sohunyunyu; asi ruponeso rwangu ruchava nokusingaperi, kururama kwangu hakungaperi.