Isaiah 51:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nditererei, imi munoziʋa kururama; imi ʋanhu ʋanomurairo waŋgu pamŋoyo yenyu; musatya kuɀidza kwaʋanhu, musavunduswa nokutuka kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndinzwei, imi munoziva zvakarurama, imi vanhu vane murayiro wangu mumwoyo yenyu: Musatya kuzvidza kwavanhu, uye musavhundutswa nokutuka kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Nditeererei munzwe imi munoziva ururami, vanhu vane mwoyo une mutemo wangu, regai kutya kushorwa navanhu musatye kunyomba kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurayiro wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo.
Shona 2009?
"Nditeererei, imwi munoziva kururama; vanhu vanomurayiro wangu pamoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, kana kuvhunduswa nokutuka kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Nditeererei, imi munoziva kururama; imi vanhu vanomurairo wangu pamwoyo yenyu; musatya kuzvidza kwavanhu, musavhunduswa nokutuka kwavo.