Isaiah 51:8 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀipfunho ɀicaʋadya seŋguʋo, ɀiʋundudzi ɀicaʋadya semvere; asi kururama kwaŋgu kucaʋa’po nokusiŋgaperi, noruponeso rwaŋgu kuȿikira kumarudzi ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti chipfuno chichavadya senguo; honye ichavadya sewuru. Asi kururama kwangu kuchagara nokusingaperi, ruponeso rwangu kumarudzi namarudzi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndinodaro nokuti vachadyiwa namabetepeswa sehembe vachidyiwa nezviundudzi semvere. Asi kukunda kwangu kuchavapo nokusingaperi uye kununura kwangu kuchagara kuripo zvizvarwa zvenyu zvose.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguo, zviundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.”
Shona 2009?
Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguvo, nerukonye guchavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi namarudzi."
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti zvipfukuto zvichavadya senguo, zviundudzi zvichavadya semvere; asi kururama kwangu kuchavapo nokusingaperi, noruponeso rwangu kusvikira kumarudzi ose.”