Isaiah 51:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muka, muka, ɀifukidze nesimba, iwe ruʋoko rwaJehova; muka sapamazuʋa akare, sapamarudzi eŋguʋa dzakare‐kare. Ko hamuzi imi makagura‐gura Rahabi, mukaɓaya cikara here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muka, muka! Zvishongedze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka, sapamazuva akare, sapamarudzi akare. Ko, hausiwe wakagura-gura Rahabhi, ukabaya chikara chiya here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Simukai, simukai mukoke simba, imi Tenzi nesimba reruoko rwenyu simukai somumazuva aye epasichigare mazuva aye ekarekare. Hamusirimi here makaita Rahabhu kanyama kanyama muchibaya garanyanya riya?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura-gura Rahabhi, mukabaya chikara here?
Shona 2009?
Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakarekare. Ko hamuzimi makagura Rahabhi, mukakuvadza chikara here?
Shona SUB 2002 Bible
Muka, muka zvifukidze nesimba, iwe ruoko rwaJehovha; muka sapamazuva akare, sapamarudzi enguva dzakare–kare. Ko hamuzimi makagura–gura Rahabhi, mukabaya chikara here?