Isaiah 52:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Muka, muka, iwe Zioni, uɀifukidze nesimba rako; fuka ŋguʋo dzako dzakaiso‐naka, iwe Jerusarema, guta dɀene; nokuti kubva ɀino hakuna‐usinokudziŋgiswa nousakanaka uŋgapinda mukati mako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Muka, muka iwe Zioni, zvifukidze nesimba. Fuka nguo dzako dzakanakisa, iwe Jerusarema, guta dzvene. Vasina kudzingiswa navakasvibiswa havachapindizve mauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Muka, muka, usunge dzisimbe, iwe guta reZioni. Pfeka hanzu dzako dzakanakisisa; iyewe Jerusaremu, guta rinoera, nokuti mauri iwe hamuchazombopinda zvamo vasina kudzingiswa kana vakan'ora.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muka, muka, iwe Zioni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna asina kudzingiswa noasakanaka angapinda mukati mako.
Shona 2009?
Muka, muka, iwe Ziyoni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguvo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna angapinda mukati mako asina kudzingiswa nousakanaka.
Shona SUB 2002 Bible
Muka, muka, iwe Zioni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna asina kudzingiswa noasakanaka angapinda mukati mako.