Isaiah 52:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko ɀino ndinoʋonei pano — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ʋanhu ʋaŋgu ɀaʋabviswa pasina? Ʋanoʋaɓata ʋushe ʋanopopota, zita raŋgu rinoŋgomhurwa zuʋa rose — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Uye zvino ndinei pano?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nokuti vanhu vangu vakabviswa pasina, uye avo vanovatonga vanovaseka,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Uye zuva rose zita rangu rinogara richimhurwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino pakadai apa, changu chaizvo chiiwo ipapa, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi, zvichinyatsoonekwa kuti vanhu vangu vari kungotorwa zvavo mahara? Tenzi ari kuti vatongi vavo vari kugurukuta, zita rangu richisweroshorwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha.