Isaiah 52:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Cinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinoɗana namanzwi, dzinoimba pamŋe cete; nokuti dzicaʋonana ɀiso ɀakatarisana, kana Jehova acidzokera Zioni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Teerera unzwe zvoita vachengetedzi veguta havo vodaidzira voimba pamwechete norufaro nokuti vari kunyatsozvionera nameso kudzoka kwaTenzi kuZioni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Chinzwa izwi renharirire dzako! Dzinodana namazwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Zioni.
Shona 2009?
Chinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinodana namanzwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Ziyoni.
Shona SUB 2002 Bible
Chinzwa izwi renharirire dzako! Dzinodana namazwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Zioni.