Isaiah 52:9 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pururudzai nomufaro, imbai pamŋe cete, imi matoŋgo eJerusarema; nokuti Jehova wakanyaradza ʋanhu ʋake, wakadzikinura Jerusarema.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chitsemurai mumhanzi pamwechete, imi matongo eJerusaremu nokuti Tenzi ava kunyaradza vanhu vake ava kuzonunura Jerusaremu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu; nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusaremu.
Shona 2009?
Pemberai nomufaro, imbai pamwechete, imwi matongo eJerusaremu, nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikunura Jerusaremu.
Shona SUB 2002 Bible
Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu; nokuti Jehovha akanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusaremu.