Isaiah 53:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi kwaiʋa kuɗa kwaJehova kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mŋeya wake waʋuya necipiriso ceɀiʋi, ucaʋona ɀiɓereko ɀake, ucawedzera mazuʋa ake, ɀinoɗikanwa naJehova ɀicafambiswa ɀakanaka noruʋoko rwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kwakanga kuri kuda kwaJehovha kuti amukuvadze uye aite kuti atambudzike, uye kunyange zvazvo Jehovha akaita kuti upenyu hwake huve chipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake uye achawedzera mazuva ake, uye kuda kwaJehovha kuchabudirira muruoko rwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi kuti chaive chiri chido chaTenzi, kumurwadzisa ndiye akamupa nhamo. Nokuzvipira kwaakaita kudaro somupiro wokupfupira zvitadzo achaona zvizukuru zvake, achaita kuti mazuva ake awande. Zvinodiwa naTenzi zvichabudirira zviri mumaoko make.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake.
Shona 2009?
Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti apwanyiwe; wakamurwadzisa; ipapo uchaita mweya wake chibairo chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikamwa naJehovha zvichabudirira muruoko rwake.
Shona SUB 2002 Bible
Asi kwaiva kuda kwaJehovha kuti arwadziwe; wakamurwarisa; kana mweya wake wauya nechipiriso chezvivi, achaona zvibereko zvake, achawedzera mazuva ake, zvinodikanwa naJehovha zvichafambiswa zvakanaka noruoko rwake.