Isaiah 53:12 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka ndicamuganhurira mugoʋe pamŋe cete naʋakuru, ucagoʋerana ɀakapambga naʋanesimba; nokuti wakaɗurura mŋeya wake pakufa, akaʋereŋgwa pamŋe cete naʋaɗariki; kunyaŋge ɀakaɗaro wakatakura ɀiʋi ɀaʋazhinji, akanyeŋgeterera ʋaɗariki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndichamupa mugove pakati pavakuru vakuru, uye achagoverana zvakapambwa navane simba, nokuti akadurura upenyu hwake kusvika parufu, akaverengwa pamwe chete navadariki. Nokuti akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo ini ndichamupa mugove mukati mavakuru vakuru, achakamurirana navane simba zvinhu zvinenge zvapambwa nokuti akazvipira kufa akaverengerwa pamwechete navatadzi akatakura zvitadzo zvavazhinji achinamatira vatadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwechete navadariki; kunyange zvakadaro akatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki.
Shona 2009?
Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake kukufa, akaverengwa pamwechete navadariki; uye akatakura chivi chavazhinji, akanyengeterera vadariki.
Shona SUB 2002 Bible
Saka ndichamuganhurira mugove pamwechete navakuru, achagoverana zvakapambwa navane simba; nokuti akadurura mweya wake pakufa, akaverengwa pamwechete navadariki; kunyangwe zvakadaro akatakura zvivi zvavazhinji, akanyengeterera vadariki.