Isaiah 53:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti wakamera pamberi pake seɓukira nyoro, somudzi unoɓuɗa pavu rakawoma; haanecimiro kana ʋumambo; kana ticimuʋona, hakunokunaka kuti timuɗe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Iye akamera pamberi pake sebukira nyoro, uye somudzi pavhu rakaoma. Akanga asina runako kana chimiro choumambo kuti atikwezve kwaari, hapana chatingada pakuratidzika kwake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusana pokuti akakura pana Mwari sebukira romuti uye somudzi unotungira pavhu rakaoma. Akanga asisina chimiro, chokuti munhu kana kwavo nechingayemurike paari, zvokuti tingambotarisawo zvedu kwaari, asisina kana runako rwokuti tiitewo mwoyo wokumuda.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti akamera pamberi pake sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.
Shona 2009?
Nokuti akamera pamberi pake sebukira, nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti akamera pamberi pake sebukira nyoro, somudzi unobuda pavhu rakaoma; haane chimiro kana umambo; kana tichimuona, haana kunaka kuti timude.