Isaiah 53:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀirokwaɀo, wakatakura matenda eɗu, nokusimudza kurwadziwa kweɗu; asi isu takati wakatambudzwa, wakarobga naMŋari nokumanikidzwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvirokwazvo akatakura matenda edu, uye akatakura kurwadziswa kwedu; asi isu takafunga kuti akarohwa naMwari, akarohwa naye uye akarwadziswa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Asi chaizvoizvo, nhamo dzaakatakura, dzaiva nhamo dzedu uyewo matambudziko aakatakurana nawo aiva matambudziko edu. Asi isu takatomuona somunhu ari kuzvamburwa nokurohwa naMwari achitambudzwa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.
Shona 2009?
Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvirokwazvo, akatakura matenda edu, nokusimudza kurwadziwa kwedu; asi isu takati akatambudzwa, akarohwa naMwari nokumanikidzwa.